Genesisi 38:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira.

2. Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye;

3. akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri.

4. Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani.

Genesisi 38