1. Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.”
2. Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu.
3. Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.”