Genesisi 32:27-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.”

28. Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu uye ukakunda.”

29. Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza.

30. Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.”

Genesisi 32