Genesisi 31:53-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

53. Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.”Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka.

54. Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya ikoko vakavatapo usiku ihwohwo.

55. Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.

Genesisi 31