Genesisi 27:24-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Akati ndiwe mwanakomana wangu “Esau chaiye here?”Akapindura akati, “Ndini.”

25. Ipapo akati, “Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu.” Jakobho akaiisa kwaari uye akadya; uye akauya newaini iye akanwa.

26. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Uya pano mwanakomana wangu unditsvode.”

27. Saka akaenda kwaari uye iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuwira kwenguwo dzake akamuropafadza achiti,“Haiwa kunhuwira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuwira kwesango raropafadzwa naJehovha.

28. Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva.

29. Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.”

30. Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima.

31. Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, “Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo.”

32. Baba vake Isaka vakamubvunza vakati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Esau mwanakomana wenyu wedangwe.”

33. Isaka akadedera nehasha akati, “Ndianiko zvino, avhima mhuka akauya nayo kwandiri? Ndaidya iwe uchigere kusvika uye ndamuropafadza, uye zvirokwazvo acharopafadzwa!”

34. Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!”

35. Asi ivo vakati, “Munun'una wako auya nokunyengera uye atora maropafadzo ako.”

36. Esau akati, “Haana kutumidzwa zita chairo here rokuti Jakobho? Akandinyengera kaviri kose: Akatora udangwe hwangu, uye zvino atora maropafadzo angu!” Ipapo akabvunza akati, “Ko, hamuna kundichengeterawo kana ropafadzo here?”

37. Isaka akapindura Esau akati, “Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu?”

38. Esau akati kuna baba vake, “Munongova neropafadzo imwe chete here, baba vangu? Ndiropafadzeiwo, baba vangu!” Ipapo Esau akachema achiridza mhere.

39. Baba vake Isaka vakamupindura vakati,“Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika, kure nedova rokudenga kumusoro.

40. Iwe uchararama nomunondo uye uchashumira munun'una wako. Asi paunenge woshaya zororo uchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.”

41. Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakapiwa nababa vake. Akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava pedyo; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho.”

Genesisi 27