Genesisi 27:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Isaka akabvunza mwanakomana wake akati, “Waiwana seiko nokukurumidza zvakadai, mwanakomana wangu?” Iye akapindura akati, “Jehovha Mwari wenyu aita kuti ndibudirire.”

21. Ipapo Isaka akati kuna Jakobho, “Swedera pedyo kuti ndikubate, mwana wangu, kuti ndizive kana uri Esau mwanakomana wangu chaiye kana kwete.”

22. Jakobho akaswedera kuna baba vake Isaka, iye akamubata akati, “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.”

23. Haana kugona kumuziva, nokuti maoko ake aiva nemvere dzakaita sedzomukoma wake Esau; saka akamuropafadza.

24. Akati ndiwe mwanakomana wangu “Esau chaiye here?”Akapindura akati, “Ndini.”

25. Ipapo akati, “Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu.” Jakobho akaiisa kwaari uye akadya; uye akauya newaini iye akanwa.

26. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Uya pano mwanakomana wangu unditsvode.”

27. Saka akaenda kwaari uye iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuwira kwenguwo dzake akamuropafadza achiti,“Haiwa kunhuwira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuwira kwesango raropafadzwa naJehovha.

28. Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva.

29. Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.”

30. Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima.

31. Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, “Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo.”

Genesisi 27