Genesisi 26:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Akaritumidza zita rokuti Shibha, uye kusvikira nhasi zita reguta richiri kunzi Bheerishebha.

34. Esau akati ava namakore makumi mana okuberekwa, akawana Judhisi mwanasikana waBheeri muHiti, uyewo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti.

35. Ivava vakarwadzisa Isaka naRabheka.

Genesisi 26