Genesisi 25:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”

32. Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”

33. Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.

34. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.

Genesisi 25