Genesisi 2:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia.

14. Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.

15. Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.

16. Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu;

Genesisi 2