Genesisi 11:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo.

32. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.

Genesisi 11