Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.