63. Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
64. Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
65. tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.
66. Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu,
67. ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.