9. Iye akandipindura achiti, “Chivi cheimba yaIsraeri neJudha chakura kwazvo; nyika yazara nokuteura ropa uye guta razara nokusaruramisira. Ivo vanoti, ‘Jehovha akaramba nyika; Jehovha haaoni.’
10. Saka handingambovanzwiri tsitsi kana kuvaponesa, asi ndichauyisa pamisoro yavo zvavakaita.”
11. Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka werineni ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.”