Ezekieri 9:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Iye akandipindura achiti, “Chivi cheimba yaIsraeri neJudha chakura kwazvo; nyika yazara nokuteura ropa uye guta razara nokusaruramisira. Ivo vanoti, ‘Jehovha akaramba nyika; Jehovha haaoni.’

10. Saka handingambovanzwiri tsitsi kana kuvaponesa, asi ndichauyisa pamisoro yavo zvavakaita.”

11. Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka werineni ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.”

Ezekieri 9