Ezekieri 6:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo

3. uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.

4. Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu.

5. Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu.

Ezekieri 6