Ezekieri 48:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo.

22. Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.

23. “Kana ari mamwe marudzi asara: Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira.

Ezekieri 48