4. Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene.
5. Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara.
6. “ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri.
7. “ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba.