Ezekieri 45:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chetanhatu cheefa chichibva pahomeri rimwe nerimwe rebhari.

14. Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori imwe neimwe (ina mabhati gumi kana homeri rimwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri rimwe chete).

15. Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akanyatsodiridzwa aIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Ezekieri 45