Ezekieri 42:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Makamuri omuturikidzwa wechitatu akanga asina mbiru, sezvakanga zvakaita ruvazhe; saka akanga ari maduku duku panzvimbo youriri kupfuura aya akanga ari pasi nechapakati.

7. Pakanga pane madziro aitevedzana namakamuri uye noruvazhe rwokunze.

8. Musara wamakamuri kurutivi runotevedzana noruvazhe rwokunze wakanga uri makubhiti makumi mashanu pakureba, musara waparutivi rwaiva pedyo pedyo nenzvimbo tsvene wakanga una makubhiti zana pakureba kwawo.

Ezekieri 42