13. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.
14. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredzwa nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe.
15. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.
16. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.