Ezekieri 31:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “ ‘Ndianiko angaenzaniswa newe paushe?

3. Rangarira Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakareba kwazvo, munhengenya wawo uri pamusoro pamashizha akapfumvutira.

Ezekieri 31