Ezekieri 29:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9. Ijipiti richava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

10. naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe uye ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.

Ezekieri 29