Ezekieri 27:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vagadzirire vakwasvi vako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10. “ ‘Vanhu vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri.

11. Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.

Ezekieri 27