33. Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika.
34. Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe.
35. Vose vanogara muzviwi vanoshamiswa pamusoro pako; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutya.
36. Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo; wasvika pamagumo anonyangadza uye hauchazovapozve.’ ”