37. Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano.
38. Ndichakubvisirai vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
39. “ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwazvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu.
40. Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvidira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene.