Ezekieri 16:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa.

17. Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo.

18. Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuwira pamberi pazvo.

19. Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

20. “ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here?

21. Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo.

22. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.

23. “ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose,

24. wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha.

25. Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kunaani zvake aipfuura napauri.

26. Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako.

27. Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako.

28. Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo.

29. Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.

30. “ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari.

31. Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo.

32. “ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako!

33. Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu.

34. Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.

35. “ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha!

Ezekieri 16