Ezekieri 15:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko?

3. Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhupo here?

4. Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here?

5. Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba?

Ezekieri 15