Ezekieri 14:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

3. “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here?

4. Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru.

5. Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’

Ezekieri 14