Ekisodho 9:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa,

3. ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi.

4. Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ”

5. Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.”

6. Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa.

Ekisodho 9