Ekisodho 7:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.

11. Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye n'anga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.

12. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.

13. Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

14. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.

Ekisodho 7