Ekisodho 39:21-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

22. Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki,

23. rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.

24. Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.

25. Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.

26. Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

27. Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,

28. uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa wakaisvonaka.

29. Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa wakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

30. Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.

Ekisodho 39