Ekisodho 38:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.

6. Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira.

7. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati.

Ekisodho 38