Ekisodho 34:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu.“Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu.

21. “Mubate basa mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe munofanira kuzorora; kunyange munguva dzokurima nedzokukohwa munofanira kuzorora.

22. “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore.

23. Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri.

24. Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwirako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu.

25. “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika zvichisara kusvikira mangwanani.

Ekisodho 34