19. Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.
20. “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.
21. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokumarudzi anotevera.