Ekisodho 26:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.

29. Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.

30. “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.

31. “Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona.

Ekisodho 26