Ekisodho 23:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa.

2. “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji,

3. uye usatsaura munhu murombo pamhaka yake.

4. “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari.

Ekisodho 23