Ekisodho 19:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ”

24. Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.”

25. Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza.

Ekisodho 19