11. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?
12. Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here?’ Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”
13. Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.
14. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”
15. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi.
16. Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma.
17. Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza.