Dhuteronomi 8:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze.

7. Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukuuyisa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura namatsime, nezvitubu zvinoerera mumupata nomumakomo;

8. nyika ine zviyo nebhari, mizambiringa nemiti yemionde, neyemitamba, namafuta emiorivhi nouchi;

9. nyika isingashayikwi chingwa uye hamuchazoshayiwi chinhu; nyika ine mabwe endarira uye uchachera mhangura mumakomo ayo.

10. Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa,

Dhuteronomi 8