Dhuteronomi 6:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.

7. Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka.

8. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.

9. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

10. Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,

11. dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta,

12. muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.

13. Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake.

14. Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai;

Dhuteronomi 6