Dhuteronomi 32:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.

2. Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro.

3. Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!

4. Iye ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.

Dhuteronomi 32