20. Kana wazunza miti yako yamaorivhi, usandozunzazve rwechipiri. Siyira asara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
21. Kana uchikohwa mazambiringa mumunda wako womuzambiringa, usadzokorora kukohwazve. Siyira zvinosara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
22. Murangarire kuti maiva varanda muIjipiti. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi.