Dhuteronomi 24:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make,

2. uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume,

3. uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa,

Dhuteronomi 24