Dhuteronomi 13:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino kana muprofita, kana muuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo,

2. zvino kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, zvino iye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,”

3. hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.

4. NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.

Dhuteronomi 13