14. Akati kwandiri, “Zvichatora madekwana namangwanai ane zviuru zviviri zvina mazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswazve.”
15. Ini, Dhanieri, pandakanga ndichakatarira chiratidzo ndichiedza kuchinzwisisa, ndakaona hapo pamberi pangu mumwe akanga achitarisika somunhu.
16. Uye ndakanzwa inzwi romunhu richibva kuUrai richidana richiti, “Gabhurieri, taurira munhu uyu zvinoreva chiratidzo.”
17. Paakaswedera panzvimbo yandakanga ndimire, ndakatya ndikawira pasi nechiso changu. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nzwisisa kuti chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzisira.”
18. Paakanga achataura neni, ndakabatwa nehope huru kwazvo, chiso changu chakatarira pasi. Ipapo akandibata akandisimudza ndikamira netsoka dzangu.
19. Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira.
20. Gondohwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia.
21. Nhongo ine mvere dzakamvirinyinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndiyo mambo wokutanga.
22. Nyanga ina dzakatsiva ruya rwakavhunuka dzinomirira ushe una huchabuda murudzi rwake asi hahuzovi nesimba rakaenzana.