15. Vachenjeri, navamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu nokundiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
16. Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro nokupedza matambudziko. Kana ukagona kuverenga runyoro nokunditaurira zvarunoreva, uchafukidzwa nguo yepepuru uye uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro poushe.”
17. Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro hazvo ndichaverengera mambo runyoro nokumuudza zvarunoreva.”
18. “Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru nokukudzwa nokubwinya.