Dhanieri 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mambo Nebhukadhinezari, kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru!

2. Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.

3. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe hunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.

4. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira.

Dhanieri 4