Dhanieri 3:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.”

8. Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha.

9. Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!

10. Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe,

Dhanieri 3