1. Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire nokumudzivirira.
2. “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achavamo muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akafuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi.