Amosi 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.

2. Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

3. Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”

Amosi 7