8. Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.
9. Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,
10. uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.
11. Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema